Job 30

1“Asi zvino vanondiseka,
varume vaduku kwandiri,
vane madzibaba andaishora
zvokuti handaivaisa pakati pembwa dzinofudza makwai angu.
2Ko, simba ramaoko avo raizondibatsirei,
sezvo simba ravo rakanga rapera?
3Vapererwa nokuda kwokushayiwa uye nenzara,
vakadzivaira usiku munyika yakaoma,
mumatongo nomunyika yakaparara.
4Vakaunganidza miriwo inovavira kubva mumakwenzi,
uye zvokudya zvavo zvakanga zviri mudzi womuti womurara.
5Vakabviswa pakati pavanhu vokwavo,
vachitukwa kunge vakanga vari mbavha.
6Vakamanikidzwa kuti vagare mukati mehova dzakaoma,
pakati pamatombo nomumakomba, muvhu.
7Vakarira samakwai pakati pamakwenzi,
uye vakamanikidzana pasi porukato.
8Vakanga vari vanhu vakazvidzika vasina zita,
vakadzingwa kubva munyika.

9“Uye zvino vanakomana vavo vanondiseka munziyo;
ndava shumo pakati pavo.
10Vanondisema uye vanomira kure neni;
havazezi kundipfira mate kumeso.
11Sezvo zvino Mwari akatsudunura uta hwangu uye akanditambudza,
havazvidzori pamberi pangu.
12Kurudyi rwangu rudzi runondirwisa; vanoisira makumbo angu misungo, vanovaka michinjiziri yokurwa neni.
13Vanoparadza mugwagwa wangu; vanobudirira pakundiparadza, pasina munhu anovabatsira.
14Vanofamba zvavo kunge vanopinda napakakoromoka; pakati pamatongo vanongopinda zvavo.
15Zvinotyisa zvinondibata; kukudzwa kwangu kwabviswa sokunge nemhepo, kuchengetedzeka kwangu kwapera segore.

16“Uye zvino upenyu hwangu hwava kuguma; mazuva okutambudzika anondibata.
17Usiku hunobaya mapfupa angu;
zvinondiruma-ruma zvinorwadza hazvizorori.
18Nesimba rake guru Mwari anova chipfeko kwandiri;
anondisunga somutsipa wenguo yangu.
19Anondikanda mumatope,
uye ndava seguruva namadota.

20“Ndinochema kwamuri, imi Mwari, asi hamundipinduri;
ndinosimuka, asi munongonditarisa zvenyu.
21Munondishandukira noutsinye;
munondirova nesimba roruoko rwenyu.
22Munondibvuta mondidzingira pamberi pemhepo;
munonditenderedza mudutu.
23Ndinoziva kuti muchandiburutsa muchindiendesa kurufu, kunzvimbo yakatsaurirwa vapenyu vose.

24“Zvirokwazvo, hakuna munhu anobata munhu ari kushushikana
paanochemera rubatsiro pakutambudzika kwake.
25Ko, handina kuchema nokuda kwevaitambura here?
Ko, mweya wangu hauna kuva neshungu pamusoro pavarombo here?
26Kunyange zvakadaro, pandakanga ndakarindira zvakanaka, zvakaipa zvakasvika;
pandakatarisira chiedza, ipapo rima rakasvika.
27Kumonyoroka kwoura hwangu hakumbomiri;
mazuva okutambudzika anondivinga.
28Ndinodzungaira ndichisvibiswa, asi kwete nezuva;
ndinosimuka pakati peungano ndichichemera rubatsiro.
29Ndava hama yamakava,
neshamwari yamazizi.
30Ganda rangu riri kusviba uye riri kufunuka;
muviri wangu unopisa nefivha.
31Mbira dzangu dzava kungoridza nziyo dzokuchema,
uye nyere yangu nziyo dzokuungudza.
Copyright information for SnaBDSC